Ephesians 2

Takaitwa vapenyu muna Kristu

1Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi, 2izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. 3Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa. 4Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, 5akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. 6Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, 7kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. 8Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, 9kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza. 10Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

Tiri vamwe chete muna Kristu

11Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), 12rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. 13Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.

14Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, 15nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare, 16uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo. 17Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo. 18Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete.

19Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, 20makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. 21Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. 22Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

Copyright information for SnaBDSC